1 Timothy 3

Vatariri naVadhikoni

1Herino shoko rechokwadi: kana munhu achitsvaka basa romutariri, anoda basa rinokudzika. 2Zvino mutariri anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, anozvidzora, anokudzwa, anoitira vaeni rudo, anoziva kudzidzisa, 3asingadhakwi, asingarwi uye ano unyoro, asina gakava, asingakariri mari. 4Anofanira kubata imba yake zvakanaka nokuona kuti vana vake vanomuteerera uye vachimukudza zvakanaka. 5(Kana munhu asingazivi kubata imba yake zvakanaka, angachengeta seiko kereke yaMwari?) 6Asava mutendi mutsva, nokuti angazozvikudza akazotongwa zvimwe chetezvo sadhiabhori. 7Anofanirawo kupupurirwa zvakanaka navari kunze, kuitira kuti arege kuzvidzwa, uye agowira mumusungo wadhiabhori.

8Saizvozvowo, madhikoni ngavave vanhu vanokudzwa, vanorevesa, vasinganwi waini zhinji, uye vasingatsvaki pfuma yakaipa. 9Vanofanira kuchengetedza zvakadzikadzika zvokutenda nehana yakanaka. 10Vanofanira kutanga vaedzwa, uye kana pasina chavangapomerwa, ngavashumire samadhikoni.

11Nenzira imwe cheteyo, vakadzi vavo ngavave vanokudzwa, vasingacheri vamwe asi vanozvidzora, vakatendeka pazvinhu zvose.

12Mudhikoni anofanira kuva murume ano mukadzi mumwe chete uye anofanira kugona kubata vana vake nemba yake zvakanaka. 13Vaya vakashumira zvakanaka vanozviwanira zita rakanaka uye nokusimbiswa kukuru pakutenda kwavo muna Kristu Jesu.

14Kunyange zvazvo ndine tariro yokuuya kwauri nokukurumidza, ndinokunyorera dzidziso idzi kuitira kuti, 15kana ndikanonoka, uchaziva kuti vanhu vanofanira kuzvibata sei mumba maMwari, inova kereke yaMwari mupenyu, mbiru nenheyo yechokwadi. 16Pasina kana mubvunzo, chakavanzika choumwari chikuru kwazvo:

Iye akaratidzwa panyama,
akaruramiswa noMweya,
akaonekwa navatumwa,
akaparidzwa pakati pendudzi
panyika vakatenda kwaari,
akakwidzwa mukubwinya.
Copyright information for SnaBDSC